Akati, “Tiri kuenda kuJerusarema, uye Mwanakomana woMunhu achapandukirwa agoiswa kuvaprista vakuru navadzidzisi vomurayiro. Vachamutongera rufu uye vachamuisa mumaoko eveDzimwe Ndudzi, avo vachamuseka uye vagomupfira mate, vachamurova uye vagomuuraya. Shure kwamazuva matatu, achamuka.” Ipapo Jakobho naJohani vanakomana vaZebhedhi, vakauya kwaari, vakati, “Mudzidzisi, tinoda kuti mutiitire zvose zvose zvatinokumbira.” Akavabvunza akati, “Munoda kuti ndikuitireiko?” Vakapindura vakati, “Titenderei kuti mumwe wedu agare kuruoko rwenyu rworudyi uye mumwe kuruboshwe rwenyu mukubwinya kwenyu.” Jesu akati, “Hamuzivi zvamunokumbira. Mungagona here kunwa mukombe wandinonwa kana kubhabhatidzwa norubhabhatidzo rwandinobhabhatidzwa narwo?” Vakapindura vakati, “Tinogona.” Jesu akati, “Muchanwa mukombe wandinonwa uye muchabhabhatidzwa norubhabhatidzo rwandinobhabhatidzwa narwo, asi zvokugara kuruoko rwangu rworudyi kana kuruboshwe handisini ndinozvipa. Nzvimbo idzi ndedzavaya vakadzigadzirirwa.” Vane gumi vakati vanzwa izvi, vakatsamwira Jakobho naJohani. Jesu akavadana pamwe chete akati, “Munoziva kuti vaya vanonzi vatongi neveDzimwe Ndudzi vanotonga pamusoro pavo, uye vabati vavo vakuru vanoshandisa simba pamusoro pavo. Hazvina kudaro pakati penyu. Pachinzvimbo chaizvozvo, ani naani anoda kuva mukuru pakati penyu anofanira kuva muranda wenyu, uye ani naani anoda kuva wokutanga anofanira kuva nhapwa yavose. Nokuti kunyange Mwanakomana woMunhu haana kuuya kuzoshumirwa, asi kuzoshumira uye nokupa upenyu hwake kuti huve rudzikinuro rwavazhinji.”
Verenga chikamu Mako 10
Terera ku Mako 10
Pakurirana nevamwe
Enzanisa mhando yose: Mako 10:33-45
Chengetedza mavhesi, verenga usiri pamasaisai, wona mavhidhiyo ezvidzidzo uye zvakawanda!
Pekutangira
Bhaibheri
Zvirongwa
Mavideo