Inhamoi yandinayo! Ndafanana nouya anounganidza michero yezhizha inosara mumunda wemizambiringa pakukohwa; hapana sumbu ramazambiringa rokudya, kana maonde okutanga andinopanga. Vanhu vano umwari vabviswa panyika; hapana mumwe akarurama asara. Vanhu vose vanovandira kuti vateure ropa; mumwe nomumwe anovhima hama yake nomumbure. Maoko ose ari maviri ane unyanzvi pakuita zvakaipa; mubati anomanikidzira vanhu kuti vamupe zvipo, mutongi anotambira fufuro, vane simba vanomanikidzira zvido zvavo; vose vanozvironga pamwe chete. Akanaka kupfuura vose akangoita sorukato, vakarurama kupfuura vose vakaipa kupfuura ruzhowa rweminzwa. Zuva renharirire dzenyu rasvika, zuva rokushanyirwa kwenyu naMwari. Zvino ino ndiyo nguva yokukanganiswa kwavo. Rega kuvimba nomuvakidzani wako; usavimba neshamwari yako. Kunyange nomukadzi wawakagumbatira, uchenjerere mashoko ako. Nokuti mwanakomana anozvidza baba vake, mwanasikana anomukira mai vake, muroora anomukira vamwene vake; vavengi vomunhu ndivo vanhu vemhuri yake. Asi kana ndirini, ndinomirira netariro kuna Jehovha, ndinomirira Mwari Muponesi wangu; Mwari wangu achandinzwa.
Verenga chikamu Mika 7
Terera ku Mika 7
Pakurirana nevamwe
Enzanisa mhando yose: Mika 7:1-7
Chengetedza mavhesi, verenga usiri pamasaisai, wona mavhidhiyo ezvidzidzo uye zvakawanda!
Pekutangira
Bhaibheri
Zvirongwa
Mavideo