“Pazuva iro,” ndizvo zvinotaura Jehovha, “ndichaparadza mabhiza enyu pakati penyu uye ndichapwanya ngoro dzenyu. Ndichaparadza maguta enyika yenyu uye ndichaputsa nhare dzenyu dzose. Ndichaparadza uroyi hwako uye hauchazovizve navavuki. Ndichaparadza zvifananidzo zvenyu zvakavezwa neshongwe dzenyu pakati penyu; hamuchazokotamiri kubasa ramaoko enyu. Ndichadzura kubva pakati penyu matanda aAshera uye ndichaparadza maguta enyu. Ndichatsiva nokutsamwa nehasha kundudzi dzisina kunditeerera.”
Verenga chikamu Mika 5
Terera ku Mika 5
Pakurirana nevamwe
Enzanisa mhando yose: Mika 5:10-15
Chengetedza mavhesi, verenga usiri pamasaisai, wona mavhidhiyo ezvidzidzo uye zvakawanda!
Pekutangira
Bhaibheri
Zvirongwa
Mavideo