Vadzidzi vaJohani vakauya kuzomubvunza vachiti, “Ko, sei isu navaFarisi tichitsanya asi vadzidzi venyu vasingatsanyi.” Jesu akapindura achiti, “Zvingaitawo here kuti shamwari dzechikomba dzicheme iye achiinavo? Nguva ichasvika iyo chikomba chichabviswa kwavari, ipapo vachatsanya. “Hapana munhu anosonera chigamba chitsva panguo tsaru, nokuti chigamba chichabvarura nguo iya, buri racho richizobva ranyanya. Uye vanhu havangadiri waini itsva muhombodo tsaru. Kana vakadaro, hombodo dzichaputika, waini ichateuka uye hombodo dzichaparara. Kwete, vanodira waini itsva muhombodo itsva uye zvose zviri zviviri zvinochengetedzeka.”
Verenga chikamu Mateo 9
Terera ku Mateo 9
Pakurirana nevamwe
Enzanisa mhando yose: Mateo 9:14-17
Chengetedza mavhesi, verenga usiri pamasaisai, wona mavhidhiyo ezvidzidzo uye zvakawanda!
Pekutangira
Bhaibheri
Zvirongwa
Mavideo