Mufananidzo weYouVersion
Mucherechedzo Wekutsvaka

Mateo 5:1-6

Mateo 5:1-6 BDSC

Zvino akati aona vanhu vazhinji, akakwira mugomo uye akagara pasi. Vadzidzi vake vakauya kwaari, uye akatanga kuvadzidzisa achiti: “Vakaropafadzwa varombo pamweya, nokuti umambo hwokudenga ndohwavo. Vakaropafadzwa vanochema nokuti vachanyaradzwa. Vakaropafadzwa vanyoro nokuti vachagara nhaka yenyika. Vakaropafadzwa avo vane nzara nenyota yokuita zvakarurama nokuti vachagutswa kwazvo.