Jesu akati kwavari, “Uyai munditevere, uye ndichakuitai vabati vavanhu.” Pakarepo vakabva vasiya mambure avo, vakamutevera. Achibva ipapo, akaonazve vamwe varume vaviri vaiva mukoma nomununʼuna, Jakobho mwanakomana waZebhedhi nomununʼuna wake Johani. Vakanga vari mugwa nababa vavo Zebhedhi vachigadzira mambure avo. Jesu akavadana, uye pakarepo vakasiya igwa nababa vavo vakamutevera.
Verenga chikamu Mateo 4
Terera ku Mateo 4
Pakurirana nevamwe
Enzanisa mhando yose: Mateo 4:19-22
5 Mazuva
Takadanwa kuti titungamirire sezvakaita Jesu. Hutungamiri hunotanga nemunhu, kwete chinzvimbo, uye chinangwa cheutungamiri ndechekufambisa vanhu vaMwari muzvinangwa zvake. Chimwe nechimwe chezviverengero zvezuva nezuva izvi chichakubatsira iwe kuisa hwaro hwakasimba mumamiriro ako ehutungamiriri, ichikuyeuchidza kuti iwe usati wave mutungamiri uri muranda, uye usati wave muranda uri mwana anodiwa waMwari.
Nerimwe zuva zvose zvichasara zvoupenyu hwedu uchava mutsetse (tsee) pakati pokuzvarwa kwedu norufu. Tingaunzira Kristu mutsauko wakakura munguva pfupi yatinayo pasi pano sei? Urongwa uhu hunokubatsira kutarisa hupenyu nomuono wokusingaperi, woziva zvibingamupinyi zviripo, uye wodzidza kuvakiridza chikamu chimwe nechimwe choupenyu hwako kuti ugorarama vavariro yako, ugova netariro, nomufaro zuva rimwe nerimwe. Muono unoshandura zvose!
Chengetedza mavhesi, verenga usiri pamasaisai, wona mavhidhiyo ezvidzidzo uye zvakawanda!
Pekutangira
Bhaibheri
Zvirongwa
Mavideo