Achibva kuNazareta, akaenda akandogara kuKapenaume, guta raiva pamahombekombe egungwa mudunhu reZebhuruni neNafutari, kuti azadzise zvakarehwa nomuprofita Isaya achiti: “Nyika yeZebhuruni nenyika yeNafutari, nzira inoenda kugungwa, ichitevedza Jorodhani, Garirea reveDzimwe Ndudzi, vanhu vaigara murima vakaona chiedza chikuru; kune avo vaigara munyika yomumvuri worufu, chiedza chavhenekera.” Kubva panguva iyoyo zvichienda mberi, Jesu akatanga kuparidza achiti, “Tendeukai nokuti umambo hwokudenga hwava pedyo.”
Verenga chikamu Mateo 4
Terera ku Mateo 4
Pakurirana nevamwe
Enzanisa mhando yose: Mateo 4:13-17
Chengetedza mavhesi, verenga usiri pamasaisai, wona mavhidhiyo ezvidzidzo uye zvakawanda!
Pekutangira
Bhaibheri
Zvirongwa
Mavideo