Mufananidzo weYouVersion
Mucherechedzo Wekutsvaka

Mateo 27:57-61

Mateo 27:57-61 BDSC

Kwakati kwovira, kwakauya mumwe murume mupfumi aibva kuArimatea, ainzi Josefa, akanga avawo mudzidzi waJesu. Akaenda kuna Pirato akandokumbira mutumbi waJesu, uye Pirato akarayira kuti aupiwe. Josefa akatora mutumbi akauputira nomucheka wakachena, akauisa muguva rake idzva raakanga achera padombo. Akakungurutsira ibwe guru pamuromo weguva ndokubva aenda. Maria Magadharena nomumwe Maria vakanga varipo vagere pakatarisana neguva.