Kubva panguva yechitanhatu kusvika panguva yepfumbamwe rima rakavapo panyika yose. Nenguva inenge yepfumbamwe, Jesu akadanidzira nenzwi guru achiti, “Eroi, Eroi, rama sabhakitani?” zvichireva kuti, “Mwari wangu! Mwari wangu, mandisiyireiko?” Vamwe vakanga vamirepo vakati vanzwa izvozvo, vakati, “Ari kudana Eria.” Pakarepo mumwe wavo akamhanya akatora chipanje. Akachizadza newaini yevhiniga ndokuchiisa pachimuti, achibva apa Jesu kuti anwe. Vamwe vakati, “Zvino musiyei ari oga. Regai tione kana Eria achiuya kuzomuponesa.” Uye Jesu akati adanidzira nenzwi guru, akabudisa mweya wake. Panguva iyoyo chidzitiro chomutemberi chakabvaruka napakati kubva kumusoro kusvika pasi. Nyika yakadengenyeka, uye mabwe akatsemuka. Makuva akazaruka, mitumbi yavatsvene vazhinji vakanga vakafa ikamutswa kuupenyu. Vakabuda mumakuva, uye shure kwokumuka kwaJesu vakapinda muguta dzvene uye vakaonekwa navanhu vazhinji.
Verenga chikamu Mateo 27
Terera ku Mateo 27
Pakurirana nevamwe
Enzanisa mhando yose: Mateo 27:45-53
Chengetedza mavhesi, verenga usiri pamasaisai, wona mavhidhiyo ezvidzidzo uye zvakawanda!
Pekutangira
Bhaibheri
Zvirongwa
Mavideo