Mufananidzo weYouVersion
Mucherechedzo Wekutsvaka

Mateo 26:20-25

Mateo 26:20-25 BDSC

Ava madekwana Jesu akagara patafura navane gumi navaviri. Vari pakati pokudya akati, “Ndinokuudzai chokwadi kuti mumwe wenyu achandipandukira.” Vakasuwa zvikuru uye vakatanga, mumwe nomumwe kuti, “Chokwadi, ndini here, Ishe?” Jesu akapindura akati, “Munhu aisa ruoko neni mundiro, ndiye achandipandukira. Mwanakomana woMunhu achaenda hake sokunyorwa kwazvakaitwa nezvake. Asi ane nhamo munhu uyo anopandukira Mwanakomana woMunhu! Zvingadai zvaiva nani kwaari dai asina kuberekwa.” Zvino Judhasi uyo aizomupandukira akati, “Chokwadi, ndini here, Rabhi?” Jesu akapindura akati, “Hongu, ndiwe.”