“Ipapo achati kune avo vari kuruboshwe rwake, ‘Ibvai kwandiri imi makatukwa mupinde mumoto usingadzimi wakagadzirirwa dhiabhori navatumwa vake. Nokuti ndakanga ndine nzara mukasandipa chokudya, ndakanga ndine nyota, mukasandipa chokunwa, ndakanga ndiri mweni mukasandipinza mumba, ndakanga ndisina zvokupfeka mukasandipfekedza, ndakanga ndichirwara uye ndiri mutorongo mukasandishanyira.’ “Naizvozvo vachapindura vachiti, ‘Ishe, takakuonai riniko mune nzara kana mune nyota kana muri mweni kana musina zvokupfeka kana muchirwara kana muri mutorongo tikasakubatsirai?’ “Achapindura achiti, ‘Ndinokuudzai chokwadi kuti, zvose zvamusina kuitira mumwe wavaduku ava, hamuna kuzviitira ini.’ “Ipapo vachaenda mukurangwa kusingaperi, asi vakarurama vachipinda muupenyu husingaperi.”
Verenga chikamu Mateo 25
Terera ku Mateo 25
Pakurirana nevamwe
Enzanisa mhando yose: Mateo 25:41-46
13 Mazuva
Ko tingararama sei? Uyu mubvunzo wabvunzwa nevaKristu kwemazana emakore, zvekare uri umwe yeinopindurwa naJesu mudzidziso dzaanopa kuvadzidzi vake. Muchidzidzo chino, unotevera ndima gumi nenhatu dzakakosha matinowana mashoko aJesu kubva kunyaya dzerubhabhatidzo, wanano, kushushikana, zvekare dzevarume nemadzimai. Inzwa dzidziso dzaJesu maringe nezviga zviri panhongonya yechitendero chechikristu.
Chengetedza mavhesi, verenga usiri pamasaisai, wona mavhidhiyo ezvidzidzo uye zvakawanda!
Pekutangira
Bhaibheri
Zvirongwa
Mavideo