Mufananidzo weYouVersion
Mucherechedzo Wekutsvaka

Mateo 24:32-35

Mateo 24:32-35 BDSC

“Zvino dzidzai chidzidzo ichi kubva pamuonde: Panopfava matavi awo uye mashizha awo otungira, munoziva kuti zhizha rava pedyo. Saizvozvowo, nemiwo pamunoona zvinhu zvose izvi muzive kuti nguva yangu yava pedyo, yava pamusiwo. Ndinokuudzai chokwadi kuti rudzi urwu harungatongopfuuri kusvikira zvinhu zvose izvi zvaitika. Denga nenyika zvichapfuura asi mashoko angu haangatongopfuuri.