VaFarisi pavakanga vachakaungana pamwe chete, Jesu akavabvunza akati, “Munofungei nezvaKristu? Mwana waani?” Vakapindura vachiti, “Mwanakomana waDhavhidhi.” Akati kwavari, “Ko, zvino sei Dhavhidhi achitaura noMweya akamuti, ‘Ishe’? Nokuti anoti, “ ‘Ishe akati kuna Ishe wangu: Gara kuruoko rwangu rworudyi, kusvikira ndaisa vavengi vako pasi petsoka dzako.’ Zvino kana Dhavhidhi achimuti, ‘Ishe’ angagova mwanakomana wake sei?”
Verenga chikamu Mateo 22
Terera ku Mateo 22
Pakurirana nevamwe
Enzanisa mhando yose: Mateo 22:41-45
Chengetedza mavhesi, verenga usiri pamasaisai, wona mavhidhiyo ezvidzidzo uye zvakawanda!
Pekutangira
Bhaibheri
Zvirongwa
Mavideo