Mufananidzo weYouVersion
Mucherechedzo Wekutsvaka

Mateo 22:41-45

Mateo 22:41-45 BDSC

VaFarisi pavakanga vachakaungana pamwe chete, Jesu akavabvunza akati, “Munofungei nezvaKristu? Mwana waani?” Vakapindura vachiti, “Mwanakomana waDhavhidhi.” Akati kwavari, “Ko, zvino sei Dhavhidhi achitaura noMweya akamuti, ‘Ishe’? Nokuti anoti, “ ‘Ishe akati kuna Ishe wangu: Gara kuruoko rwangu rworudyi, kusvikira ndaisa vavengi vako pasi petsoka dzako.’ Zvino kana Dhavhidhi achimuti, ‘Ishe’ angagova mwanakomana wake sei?”