Mufananidzo weYouVersion
Mucherechedzo Wekutsvaka

Mateo 22:34-39

Mateo 22:34-39 BDSC

Vanzwa kuti Jesu akanga akunda vaSadhusi, vaFarisi vakaungana pamwe chete. Mumwe wavo aiva nyanzvi pane zvemirayiro akamuedza nomubvunzo achiti, “Mudzidzisi, ndoupi murayiro mukuru muMurayiro?” Jesu akapindura akati, “ ‘Ida Ishe Mwari wako nomwoyo wako wose, nomweya wako wose nokufunga kwako kwose.’ Uyu ndiwo murayiro mukuru uye wokutanga. Wechipiri wakafanana nawo unoti, ‘Ida muvakidzani wako sokuda kwaunozviita iwe.’