Ipapo vaFarisi vakabuda vakandoronga kuti vamubate namashoko ake. Vakatuma vadzidzi vavo kwaari pamwe chete navaHerodhi. Vakati, “Mudzidzisi, tinoziva kuti muri munhu akarurama uye kuti munodzidzisa nzira yaMwari zviri maererano nechokwadi. Hamutsauswi navanhu nokuti hamutarisi kuti ndivanaani. Tiudzei zvino kuti imi, munoti kudini? Zvakanaka here kutera mutero kuna Kesari kana kuti hazvina?” Asi Jesu, achiziva kuipa kwavo, akati, “Imi vanyengeri munondiedzereiko? Ndiratidzei mari inoshandiswa pakutera mutero.” Vakamuvigira dhenari uye akavabvunza akati, “Ko, mufananidzo uyu ndowaani uye runyoro urwu ndorwaani?” Vakapindura vakati, “NdezvaKesari.” Ipapo akati kwavari, “Ipai kuna Kesari zvaKesari, uye kuna Mwari zvaMwari.” Vakati vanzwa izvi, vakashamiswa. Saka vakamusiya vakaenda.
Verenga chikamu Mateo 22
Terera ku Mateo 22
Pakurirana nevamwe
Enzanisa mhando yose: Mateo 22:15-22
Chengetedza mavhesi, verenga usiri pamasaisai, wona mavhidhiyo ezvidzidzo uye zvakawanda!
Pekutangira
Bhaibheri
Zvirongwa
Mavideo