Zvino mumwe murume akauya kuna Jesu akamubvunza achiti, “Mudzidzisi, ndechipi chinhu chakanaka chandingaita kuti ndiwane upenyu husingaperi?” Jesu akati kwaari, “Unondibvunzireiko pamusoro pezvakanaka? Kunongova noMumwe chete akanaka. Kana uchida kupinda muupenyu, teerera mirayiro.” Murume uya akabvunza achiti, “Ipiko?” Jesu akapindura akati, “ ‘Usauraya, usaita upombwe, usaba, usapupura nhema. Kudza baba vako namai vako uye ude muvakidzani wako sokuzvida kwaunozviita iwe.’ ” Jaya riya rakati, “Zvose ndakazvichengeta. Chii chandichiri kushayiwa?” Jesu akati, “Kana uchida kuva wakakwana, enda unotengesa zvose zvaunazvo ugopa varombo, ugozova nepfuma kudenga. Ipapo ugouya wonditevera.” Jaya riya parakanzwa izvi, rakaenda rakasuwa kwazvo nokuti raiva nepfuma zhinji kwazvo. Ipapo Jesu akati kuvadzidzi vake, “Ndinokuudzai chokwadi, zvakaoma kuti mupfumi apinde muumambo hwokudenga. Ndinotizve zvakareruka kuti ngamera ipinde nepaburi retsono pano kuti mupfumi apinde muumambo hwaMwari.” Vadzidzi vakati vanzwa izvi vakakatyamara zvikuru vakabvunza vachiti, “Ndiani zvino achaponeswa?” Jesu akavatarisa akati, “Kuvanhu izvi hazvigoneki asi kuna Mwari zvinhu zvose zvinogoneka.”
Verenga chikamu Mateo 19
Terera ku Mateo 19
Pakurirana nevamwe
Enzanisa mhando yose: Mateo 19:16-26
13 Mazuva
Achipindura mubvunzo wekuti murairo mukuru pamirairo yese ndeupi, Jesu haakakame - Ida Jehovha Mwari wako, zvekare ude muvakidzani wako sekuda kwaunozviita iwe. Irairo yakareruka, asi rudo rwakadaro runoreva kuti chii mumagariro ezuva rimwe narimwe? Muchidzidzo chino, unotevera ndima gumi nenhatu dzakakosha dzinovhendenyura mwongo werutendo rwedu. Zviwanire nduramo izere nemoyo pachifuva cherudo runogumbatira rwaJesu.
Chengetedza mavhesi, verenga usiri pamasaisai, wona mavhidhiyo ezvidzidzo uye zvakawanda!
Pekutangira
Bhaibheri
Zvirongwa
Mavideo