Mufananidzo weYouVersion
Mucherechedzo Wekutsvaka

Mateo 19:13-15

Mateo 19:13-15 BDSC

Ipapo vana vaduku vakauyiswa kuna Jesu kuti aise maoko ake pamusoro pavo, uye kuti avanyengeterere. Asi vadzidzi vakatsiura vaya vakanga vauya navo. Jesu akati, “Regai vana vaduku vauye kwandiri, musavadzivisa, nokuti umambo hwokudenga ndohwavakadai.” Akati aisa maoko ake pamusoro pavo, akabva ipapo.