Nokuti, ndinokuudzai chokwadi kuti vaprofita vazhinji navanhu vakarurama vaida kuona zvinhu zvamuri kuona asi havana kuzviona, nokunzwa zvamuri kunzwa asi havana kuzvinzwa. “Teererai zvino munzwe zvinorehwa nomufananidzo womukushi: Kana munhu akanzwa shoko roumambo, akasarinzwisisa, akaipa anouya osvikobvuta zviya zvanga zvadyarwa mumwoyo make. Iyi ndiyo mbeu yakakushwa munzira. Uyo akagamuchira mbeu yakawira parukangarahwe, ndiye munhu anonzwa shoko, pakarepo origamuchira norufaro. Asi nokuti haana mudzi, anongorarama naro kwechinguva chipfupi. Kana nhamo kana kutambudzwa zvauya nokuda kweshoko, anokurumidza kugumburwa. Uyo akagamuchira mbeu yakawira muminzwa, munhu anonzwa shoko asi kufunganya kwenyika nokunyengera kwepfuma zvinorivhunga robva rashaya zvibereko. Asi uyo anogamuchira shoko rakawira muvhu rakanaka ndiye munhu anonzwa shoko orinzwisisa. Ndiye anobereka mbeu inoburitsa zana, kana makumi matanhatu kana makumi matatu ezvakakushwa.”
Verenga chikamu Mateo 13
Terera ku Mateo 13
Pakurirana nevamwe
Enzanisa mhando yose: Mateo 13:17-23
5 Mazuva
Nerimwe zuva zvose zvichasara zvoupenyu hwedu uchava mutsetse (tsee) pakati pokuzvarwa kwedu norufu. Tingaunzira Kristu mutsauko wakakura munguva pfupi yatinayo pasi pano sei? Urongwa uhu hunokubatsira kutarisa hupenyu nomuono wokusingaperi, woziva zvibingamupinyi zviripo, uye wodzidza kuvakiridza chikamu chimwe nechimwe choupenyu hwako kuti ugorarama vavariro yako, ugova netariro, nomufaro zuva rimwe nerimwe. Muono unoshandura zvose!
Chengetedza mavhesi, verenga usiri pamasaisai, wona mavhidhiyo ezvidzidzo uye zvakawanda!
Pekutangira
Bhaibheri
Zvirongwa
Mavideo