Mufananidzo weYouVersion
Mucherechedzo Wekutsvaka

Mateo 12:43-45

Mateo 12:43-45 BDSC

“Kana mweya wakaipa wabva pano munhu, unofamba-famba nomunzvimbo dzakaoma uchitsvaka zororo asi unorishaya. Ipapo unoti, ‘Ndichadzokera kumba kwandakabva.’ Kana wasvika, unosvikowana imba iya isina ageremo, asi yakanyatsotsvairwa zvakachena nokunyatsorongedzwa zvakanaka. Ipapo unobva waenda kundotsvaka mimwe mweya minomwe yakaipa kukunda iwo, uye inopinda igogaramo. Uye kupedzisira kwomunhu uyu kwakaipa kupfuura kutanga kwake. Ndizvo zvazvichaita kurudzi urwu rwakaipa.”