Mufananidzo weYouVersion
Mucherechedzo Wekutsvaka

Mateo 11:11-15

Mateo 11:11-15 BDSC

Ndinokuudzai chokwadi kuti: Pavanhu vose vakaberekwa navakadzi, hapana mukuru kuna Johani Mubhabhatidzi. Asi mudukusa muushe hwokudenga mukuru kwaari. Kubva pamazuva aJohani Mubhabhatidzi kusvikira zvino, umambo hwokudenga hwanga huchipfuurira mberi nechisimba, uye varume vechisimba vanohutora. Nokuti Vaprofita vose neMirayiro vakaprofita kusvikira pana Johani. Kana muchida kuzvigamuchira, ndiye Eria akanga achizouya. Uyo ane nzeve dzokunzwa ngaanzwe.