Mufananidzo weYouVersion
Mucherechedzo Wekutsvaka

Mateo 10:16-20

Mateo 10:16-20 BDSC

Ndiri kukutumai samakwai pakati pamapere. Naizvozvo chenjerai senyoka uye mugova vasina mhosva senjiva. “Chenjerai kuti vanhu vachakuisai kumatare uye vagokurovai mumasinagoge avo. Nokuda kwangu, vachakuendesai pamberi pavabati namadzishe kuti muve zvapupu zvangu kwavari nokune veDzimwe Ndudzi. Asi kana vakusungai, musafunganya pamusoro pokuti muchataurei kana kuti muchataura sei. Panguva iyoyo muchapiwa zvokutaura, nokuti munenge musiri imi munotaura, asi Mweya waBaba venyu uchataura nomamuri.