Mufananidzo weYouVersion
Mucherechedzo Wekutsvaka

Ruka 8:49-56

Ruka 8:49-56 BDSC

Jesu achiri kutaura, mumwe aibva kumba kwaJairosi, mubati wesinagoge, akasvika akati, “Mwanasikana wenyu afa. Chiregai henyu kuramba muchinetsa mudzidzisi.” Jesu akati anzwa izvi, akati kuna Jairosi, “Usatya; tenda chete, achaporeswa.” Akati asvika kumba kwaJairosi, haana kutendera ani zvake kuti apinde naye kunze kwaPetro, Johani naJakobho, uye nababa namai vomwana. Panguva iyi, vanhu vose vainge vachiungudza uye vachimuchema. Jesu akati, “Nyararai kuchema. Haana kufa asi avete.” Vakamuseka, nokuti vaiziva kuti akanga afa. Asi akamubata ruoko akati, “Mwanangu, muka!” Mweya wake wakadzokera maari, pakarepo akasimuka. Ipapo Jesu akavarayira kuti vamupe zvokudya. Vabereki vake vakashamiswa, asi akavarayira kuti vasaudze munhu zvakanga zvaitika.