Mufananidzo weYouVersion
Mucherechedzo Wekutsvaka

Ruka 7:37-39

Ruka 7:37-39 BDSC

Mumwe mukadzi womuguta umu akanga achirarama muzvivi akati anzwa kuti Jesu akanga agere pakudya mumba momuFarisi, akauya nechinu chamafuta anonhuhwira chearabhasta, akamira shure kwake akatanga kuchema, uye akanyorovesa tsoka dzake nemisodzi yake. Ipapo akadzipukuta nebvudzi romusoro wake, akadzitsvoda uye akadzizodza mafuta anonhuhwira. Zvino muFarisi uya akanga amukoka akati achiona izvi, akati mumwoyo make, “Dai munhu uyu anga ari muprofita, angadai aziva kuti mukadzi uyu amubata akaita sei, kuti mutadzi.”