Mufananidzo weYouVersion
Mucherechedzo Wekutsvaka

Ruka 6:21-24

Ruka 6:21-24 BDSC

Makaropafadzwa imi vane nzara zvino, nokuti muchaguta. Makaropafadzwa imi munochema zvino, nokuti muchaseka. Makaropafadzwa imi kana vanhu vachikuvengai, vachikutsaurai uye vachikutukai, vachiramba zita renyu vachiti rakaipa, nokuda kwoMwanakomana woMunhu. “Farai pazuva iro uye mupembere nomufaro, nokuti mubayiro wenyu mukuru kudenga. Ndiwo matambudzirwo akaitwa vaprofita namadzibaba avo. “Asi mune nhamo imi vapfumi, nokuti makatowana kunyaradzwa kwenyu kare.