Jesu, azere noMweya Mutsvene, akadzoka kubva paJorodhani akatungamirirwa noMweya mugwenga, umo maakaedzwa naSatani kwamazuva makumi mana. Haana chaakadya pamazuva iwayo, uye pakupera kwamazuva iwayo akanzwa nzara.
Satani akati kwaari, “Kana iwe uri mwanakomana waMwari, rayira dombo iri kuti rive chingwa.”
Jesu akapindura akati, “Kwakanyorwa kuchinzi, ‘Munhu haararami nechingwa bedzi, asi neshoko rimwe nerimwe rinobuda mumuromo maMwari.’ ”
Satani akamutungamirira kunzvimbo yakakwirira uye akamuratidza munguva diki diki umambo hwose hwenyika. Akati kwaari, “Ndichakupa simba rahwo rose nokubwinya kwahwo, nokuti ndakahupiwa, uye ini ndinogona kuhupa kuna ani zvake wandinoda. Saka kana ukandinamata, huchava hwako hwose.”
Jesu akapindura akati, “Kwakanyorwa kuchinzi, ‘Namata Ishe Mwari wako umushumire iye oga.’ ”
Satani akamutungamirira kuJerusarema akamuita kuti amire pachiruvi chetemberi. Akati kwaari, “Kana uri mwanakomana waMwari, zviwisire pasi uchibva pano. Nokuti kwakanyorwa kuchinzi:
“ ‘Acharayira vatumwa vake pamusoro pako
kuti vakuchengete kwazvo;
vachakusimudza mumaoko avo,
kuti rutsoka rwako rurege kugumburwa padombo.’ ”
Jesu akati, “Zvinonzi, ‘Usaedza Ishe Mwari wako.’ ”
Satani akati apedza kuedza kwake kwose uku, akabva paari kusvikira pane imwe nguva.
Jesu akadzokera kuGarirea musimba roMweya, uye shoko pamusoro pake rakapararira kumativi ose enyika. Akadzidzisa mumasinagoge avo, uye munhu wose akamurumbidza.
Akaenda kuNazareta, kwaakanga arerwa, uye nomusi weSabata akapinda musinagoge, setsika yake. Akasimuka kuti averenge. Rugwaro rwakapetwa rwaIsaya rwakapiwa kwaari. Pakurubhedhenura, akawana pakanga pakanyorwa kuti:
“Mweya waShe uri pamusoro pangu,
nokuti akandizodza
kuti ndiparidze vhangeri kuvarombo.
Akandituma kuti ndiparidze rusununguko kuna vakasungwa
uye kuti vasingaoni vaone,
kuti ndisunungure vakamanikidzwa,
kuti ndiparidze gore rakanaka raShe.”
Ipapo akapeta rugwaro, akarudzosera kumubati akagara pasi. Meso avanhu vose vakanga vari musinagoge akanga akati nde-e kwaari, uye akatanga nokuti kwavari, “Nhasi rugwaro urwu rwazadziswa munzeve dzenyu.”
Vose vakataura zvakanaka pamusoro pake uye vakashamiswa namashoko akanaka akanga achibuda mumuromo make. Vakati, “Ko, uyu haazi mwanakomana waJosefa here?”