Vachiri kutaura nokukurukurirana pamusoro pezvinhu izvi, Jesu pachake akabva asvika uye akafamba navo; asi meso avo akabatwa zvokuti havana kumuziva. Akavabvunza akati, “Muri kukurukurirana pamusoro peiko, zvamuri kufamba kudai?” Vakamira vakanyarara, zviso zvavo zvakasuwa. Mumwe wavo ainzi Kiropasi, akati kwaari, “Ndiwe woga mushanyi muJerusarema asingazivi zvinhu zvakaitikamo mumazuva ano aya here?” Jesu akati, “Zveiko?” Vakapindura vachiti, “ZvaJesu weNazareta. Aiva muprofita, aiva nesimba mushoko napamabasa pamberi paMwari uye nokuvanhu vose.
Verenga chikamu Ruka 24
Terera ku Ruka 24
Pakurirana nevamwe
Enzanisa mhando yose: Ruka 24:15-19
Chengetedza mavhesi, verenga usiri pamasaisai, wona mavhidhiyo ezvidzidzo uye zvakawanda!
Pekutangira
Bhaibheri
Zvirongwa
Mavideo