Mufananidzo weYouVersion
Mucherechedzo Wekutsvaka

Ruka 23:44-47

Ruka 23:44-47 BDSC

Zvino yakanga yava nguva inenge yechitanhatu, rima rikava pamusoro penyika yose kusvikira panguva yepfumbamwe, nokuti zuva rakamira kuvhenekera. Uye chidzitiro chetemberi chakabvarurwa napakati. Jesu akadanidzira nenzwi guru achiti, “Baba, ndinoisa mweya wangu mumaoko enyu.” Akati ataura izvi, akabudisa mweya wake. Mukuru wezana, akati achiona zvakanga zvaitika, akarumbidza Mwari achiti, “Zvirokwazvo uyu anga ari munhu akarurama.”