Mufananidzo weYouVersion
Mucherechedzo Wekutsvaka

Ruka 23:39-43

Ruka 23:39-43 BDSC

Mumwe wembavha dzakanga dzakarembera pamwe chete naye akamutuka achiti, “Ko, ndiwe Kristu here? Zviponese ugoponesa nesuwo!” Asi imwe mbavha yakamutsiura ikati, “Hautyi Mwari here iwe, sezvo uri pakutongwa kumwe cheteko? Isu tiri kutongwa zvakarurama, nokuti tiri kupiwa zvakafanira mabasa edu. Asi munhu uyu haana chakaipa chaakaita.” Ipapo akati, “Jesu, mundirangarirewo pamunenge masvika muumambo hwenyu.” Jesu akamupindura akati, “Zvirokwazvo ndinoti kwauri, nhasi uchava neni muparadhiso.”