Ipapo ungano yose yakasimuka ikaenda naye kuna Pirato. Uye vakatanga kumupomera mhosva, vachiti, “Takawana murume uyu achitsausa rudzi rwedu. Haabvumirani nokuripa mutero kuna Kesari uye anozviti ndiye Kristu, mambo.” Saka Pirato akabvunza Jesu achiti, “Ndiwe mambo wavaJudha here?” Jesu akapindura akati, “Hongu, ndizvo zvamareva.” Ipapo Pirato akati kuvaprista vakuru navanhu vazhinji, “Handiwani hwaro hwemhosva inopomerwa murume uyu.” Asi ivo vakaramba vachiti, “Anomutsa vanhu nedzidziso yake muJudhea rose. Akatanga kuGarirea uye atosvika kwose kuno uku.” Anzwa izvi, Pirato akabvunza kuti murume uyu akanga ari muGarirea here. Akati anzwa kuti Jesu akanga ari pasi poutongi hwaHerodhi, akabva amutumira kuna Herodhi, uyo aivawo muJerusarema panguva iyoyo. Herodhi akati achiona Jesu, akafara zvikuru, nokuti akanga achishuva kumuona kwenguva refu. Kubva pane zvaakanga ambonzwa nezvake, ainge achitarisira kuti amuone achiita zvishamiso. Akamubvunza mibvunzo mizhinji, asi Jesu haana kumupindura. Vaprista vakuru navadzidzisi vomurayiro vakanga vamire ipapo, vachinyanya kumupomera mhosva. Ipapo Herodhi navarwi vake vakamuzvidza uye vakamuseka. Vakamupfekedza nguo youmambo, vakamudzosera kuna Pirato.
Verenga chikamu Ruka 23
Terera ku Ruka 23
Pakurirana nevamwe
Enzanisa mhando yose: Ruka 23:1-11
Chengetedza mavhesi, verenga usiri pamasaisai, wona mavhidhiyo ezvidzidzo uye zvakawanda!
Pekutangira
Bhaibheri
Zvirongwa
Mavideo