Mufananidzo weYouVersion
Mucherechedzo Wekutsvaka

Ruka 20:41-47

Ruka 20:41-47 BDSC

Ipapo Jesu akati kwavari, “Seiko vachiti Kristu Mwanakomana waDhavhidhi? Dhavhidhi pachake anotaura mubhuku raMapisarema achiti: “ ‘Ishe akati kuna She wangu: Gara kuruoko rwangu rworudyi kusvikira ndaita vavengi vako chitsiko chetsoka dzako.’ Dhavhidhi anomuti, ‘Ishe.’ Anogova mwanakomana wake seiko?” Vanhu vose vachakateerera, Jesu akati kuvadzidzi vake, “Chenjererai vadzidzisi vomurayiro. Vanoda kufamba-famba vakapfeka nguo refu, uye vachifarira kukwaziswa pamisika, nokuva nezvigaro zvapamusoro-soro mumasinagoge uye nenzvimbo dzinokudzwa pamabiko. Vanoparadza dzimba dzechirikadzi uye vanoita minyengetero mirefu, kuti vaonekwe. Vanhu vakadai vacharangwa zvakaomarara kwazvo.”