Mufananidzo weYouVersion
Mucherechedzo Wekutsvaka

Ruka 2:42-52

Ruka 2:42-52 BDSC

Akati ava namakore gumi namaviri, vakakwidza naye kuMutambo, maererano netsika yavo. Mutambo wakati wapera, vabereki vake pavakanga vodzokera kumusha, mukomana Jesu akasara muJerusarema, asi ivo vakanga vasingazvizivi. Vakafamba kwezuva rose vachifunga kuti akanga ari pakati pavo. Ipapo vakatanga kumutsvaka pakati pehama neshamwari dzavo. Vakati vamushayiwa, vakadzokera kuJerusarema kundomutsvaka. Mushure mamazuva matatu vakamuwana ari mutemberi, akagara pakati pavadzidzisi achivateerera uye achivabvunza mibvunzo. Mumwe nomumwe akamunzwa akashamiswa nokunzwisisa kwake uye nemhinduro dzake. Vabereki vake vakati vamuwana, vakashamiswa kwazvo. Mai vake vakati kwaari, “Mwana, waitireiko zvakadai kwatiri? Baba vako neni tanga tichikutsvaka kwazvo.” Iye akati, “Manga muchinditsvakireiko? Manga musingazivi here kuti ndaifanira kunge ndiri mumba mababa vangu?” Asi havana kunzwisisa zvaaireva kwavari. Ipapo akaburuka navo kuNazareta uye akavateerera. Asi mai vake vakachengeta zvinhu zvose izvi mumwoyo mavo. Uye Jesu akakura muuchenjeri nomumhu, achidiwa naMwari uye navanhu.