Mufananidzo weYouVersion
Mucherechedzo Wekutsvaka

Ruka 19:36-40

Ruka 19:36-40 BDSC

Paakanga achifamba, vanhu vakawaridzira nguo dzavo mumigwagwa. Akati asvika pedyo nenzvimbo ine nzira yaitenukira paGomo reMiorivhi, vazhinji vose vavadzidzi vakatanga kupembera vachirumbidza Mwari namanzwi makuru nokuda kwezviratidzo zvose zvavakanga vaona, vachiti: “Akaropafadzwa mambo anouya muzita raShe!” “Rugare ngaruve kudenga, nokubwinya kumusoro-soro!” Vamwe vaFarisi vakanga vari pakati pavanhu vazhinji vakati kuna Jesu, “Mudzidzisi, tsiurai vadzidzi venyu!” Akapindura akati, “Ndinokuudzai kuti, kana vakanyarara, matombo achadanidzira.”