Jesu akatsaura parutivi vane gumi navaviri akavaudza kuti, “Tiri kuenda kuJerusarema, uye zvose zvakanyorwa navaprofita pamusoro poMwanakomana woMunhu zvichazadziswa. Achaiswa mumaoko evedzimwe ndudzi. Vachamuseka, vachamutuka, nokumupfira mate, vachamurova uye vachamuuraya. Pazuva rechitatu achamukazve.” Vadzidzi hapana chavakanzwisisa pachinhu ichi. Zvairehwa zvacho zvakanga zvakavanzika kwavari, uye havana kuziva zvaakanga achitaura pamusoro pazvo.
Verenga chikamu Ruka 18
Terera ku Ruka 18
Pakurirana nevamwe
Enzanisa mhando yose: Ruka 18:31-34
Chengetedza mavhesi, verenga usiri pamasaisai, wona mavhidhiyo ezvidzidzo uye zvakawanda!
Pekutangira
Bhaibheri
Zvirongwa
Mavideo