Mumwe mutongi akamubvunza achiti, “Mudzidzisi akanaka, ndinofanira kuitei kuti ndigogara nhaka youpenyu husingaperi?” Jesu akapindura achiti, “Seiko uchinditi ndakanaka? Hakuna akanaka kunze kwaMwari oga. Iwe unoziva mirayiro inoti: ‘Usaita upombwe, usauraya, usapupura nhema, kudza baba vako namai vako.’ ” Iye akati, “Izvi zvose ndakazvichengeta kubva paudiki hwangu.” Jesu akati achinzwa izvi, akati kwaari, “Uchiri kushayiwa chinhu chimwe chete. Tengesa zvose zvaunazvo ugopa varombo, ugozova nepfuma kudenga. Ipapo, ugouya unditevere.” Akati anzwa izvozvo, akasuwa zvikuru, nokuti akanga ari murume akapfuma zvikuru.
Verenga chikamu Ruka 18
Terera ku Ruka 18
Pakurirana nevamwe
Enzanisa mhando yose: Ruka 18:18-23
Chengetedza mavhesi, verenga usiri pamasaisai, wona mavhidhiyo ezvidzidzo uye zvakawanda!
Pekutangira
Bhaibheri
Zvirongwa
Mavideo