Mufananidzo weYouVersion
Mucherechedzo Wekutsvaka

Ruka 15:11-13

Ruka 15:11-13 BDSC

Jesu akaenderera mberi akati: “Pakanga pano mumwe murume akanga ane vanakomana vake vaviri. Muduku wacho akati kuna baba vake, ‘Baba, ndipei mugove wenhaka yangu.’ Saka baba vakakamura pfuma yavo vakavagovanisa pakati pavo. “Mazuva mashoma asati apera, mwanakomana muduku akaunganidza zvose zvaakanga anazvo, akasimuka akaenda kunyika iri kure akandoparadza pfuma yake ikoko namararamiro akaipa.