Mufananidzo weYouVersion
Mucherechedzo Wekutsvaka

Ruka 14:11-14

Ruka 14:11-14 BDSC

Nokuti mumwe nomumwe anozvikudza achaninipiswa, uye uyo anozvininipisa achakudzwa.” Ipapo Jesu akati kuna iye akanga amukoka, “Kana wagadzira kudya kwamasikati kana chirariro, urege kukoka shamwari dzako, vanunʼuna vako kana hama dzako, kana vapfumi vawakavakidzana navo; kana ukadaro vangazokukokawo uye ukabva waripirwa. Asi kana ukagadzira mabiko, ukoke varombo, zvirema, vanokamhina, namapofu, ipapo ucharopafadzwa. Kunyange vasina zvavanokupa, iwe ucharipirwa pakumuka kwavakarurama.”