Ipapo Jesu akafamba nomumaguta nomumisha achidzidzisa paakanga achienda kuJerusarema. Mumwe akamubvunza akati, “Ishe, vanhu vashoma chete ndivo vachaponeswa here?” Iye akati kwavari, “Rwisai chaizvo kuti mupinde napasuo rakamanikana, nokuti ndinoti vazhinji vachaedza kupinda asi havangagoni. Muridzi wemba akangodzimara asimuka akapfiga mukova, imi muchamira kunze muchigogodza uye muchiteterera, muchiti, ‘Ishe, tizarurireiwo mukova.’ “Asi achapindura achiti, ‘Handikuzivei, kana kwamunobva.’ “Ipapo muchati, ‘Taidya uye tainwa pamwe chete nemi, uye maidzidzisa munzira dzomumisha yedu.’ “Asi iye achati, ‘Handikuzivei, kana kwamunobva. Ibvai kwandiri, imi mose vaiti vezvakaipa!’ “Ipapo pachava nokuchema, nokurumanya kwameno, pamunoona Abhurahama, Isaka naJakobho navaprofita vose vari muumambo hwaMwari, asi imi pachenyu marasirwa kunze. Vanhu vachabva kumabvazuva nokumavirira, nokumusoro nezasi, uye vachagara pazvigaro zvavo pamabiko muumambo hwaMwari. Zvirokwazvo, varipo vaya vokupedzisira vachazova vokutanga, uye vokutanga vachazova vokupedzisira.”
Verenga chikamu Ruka 13
Terera ku Ruka 13
Pakurirana nevamwe
Enzanisa mhando yose: Ruka 13:22-30
Chengetedza mavhesi, verenga usiri pamasaisai, wona mavhidhiyo ezvidzidzo uye zvakawanda!
Pekutangira
Bhaibheri
Zvirongwa
Mavideo