Mufananidzo weYouVersion
Mucherechedzo Wekutsvaka

Kuungudza kwaJeremia 3:19-24

Kuungudza kwaJeremia 3:19-24 BDSC

Ndinorangarira kutambudzika kwangu nokudzungaira kwangu, kurwadziwa uye nenduru. Ndinozvirangarira kwazvo, uye mweya wangu wasuruvara mukati mangu. Asi izvi ndinozvirangarira mupfungwa uye naizvozvo ndine tariro: Nokuda kwerudo rukuru rwaJehovha, hatina kuparadzwa, nokuti tsitsi dzake hadzitongoperi. Itsva mangwanani oga oga, kutendeka kwenyu kukuru. Ndinoti kumwoyo wangu, “Jehovha ndiye mugove wangu; naizvozvo ndichamumirira.”