Akabaya mwoyo wangu nemiseve yaibva mugoba rake. Ndakava chiseko chavanhu vangu vose; vakandihomera nenziyo pazuva rose. Akandigutsa nemiriwo inovava, uye akandinwisa nduru. Akagura mazino angu nerukangarabwe; akanditsokodzera muguruva. Ndakatorerwa rugare; ndakakanganwa kuti kubudirira chii. Naizvozvo ndinoti, “Kubwinya kwangu kwaenda, uye nezvose zvandanga ndakatarisira kuna Jehovha.” Ndinorangarira kutambudzika kwangu nokudzungaira kwangu, kurwadziwa uye nenduru. Ndinozvirangarira kwazvo, uye mweya wangu wasuruvara mukati mangu.
Verenga chikamu Kuungudza kwaJeremia 3
Terera ku Kuungudza kwaJeremia 3
Pakurirana nevamwe
Enzanisa mhando yose: Kuungudza kwaJeremia 3:13-20
Chengetedza mavhesi, verenga usiri pamasaisai, wona mavhidhiyo ezvidzidzo uye zvakawanda!
Pekutangira
Bhaibheri
Zvirongwa
Mavideo