Mufananidzo weYouVersion
Mucherechedzo Wekutsvaka

Judha 1:1-4

Judha 1:1-4 BDSC

Judha, muranda waJesu Kristu nomununʼuna waJakobho, kuna vaya vakadanwa, vanodikanwa naMwari Baba, vanochengetwa naJesu Kristu: Ngoni, rugare norudo ngazviwande kwamuri. Shamwari dzinodikanwa, kunyange ndakanga ndichishingairira kuti ndinyore kwamuri pamusoro poruponeso rwatinogovana, ndakafunga kuti ndinofanira kunyora ndichikukurudzirai kuti murwire kutenda kwakapiwa vatsvene kamwe. Nokuti vamwe varume vane kutongwa kwavo kwakanyorwa nezvako kare, vakapinda muchivande pakati penyu. Ivo vanhu vasina umwari, vanoshandura nyasha dzaMwari wedu vachidzitora semvumo yokuita upombwe, uye vachiramba Jesu Kristu, Ishe naTenzi wedu mumwe oga.