Mufananidzo weYouVersion
Mucherechedzo Wekutsvaka

Jobho 9:15-35

Jobho 9:15-35 BDSC

Kunyange ndakanga ndisina mhaka, handaigona kumupindura; ndaingokumbira hangu nyasha kuMutongi wangu. Kunyange dai ndaimudana hangu uye akandipindura, handitendi kuti aizowana nguva yokundinzwa. Aizondiparadza nedutu uye achizowedzera maronda angu pasina mhosva. Haaizonditenderazve kuti nditure mafemo, asi aizondizadza namatambudziko. Kana zviri zvesimba, iye ane simba guru! Uye kana zviri zvokururamisira, ndianiko angamudana kuti amutonge? Kunyange dai ndisina mhosva, muromo wangu waizongondipa mhaka; dai zvangu ndakarurama, iwo waizongondipa mhaka. “Kunyange ndisina mhosva, handina hangu hanya nazvo; ndinozvidza upenyu hwangu pachangu. Zvakangofanana; ndokusaka ndichiti, ‘Iye anoparadza vasina mhosva nevakaipa.’ Kana dambudziko rikauyisa rufu nokukurumidza, achaseka kushaya tariro kwavasina mhosva. Panowira nyika mumaoko avakaipa, vatongi vayo anovapofumadza. Kana asiri iye, zvino ndianiko? “Mazuva angu anokurumidza kupfuura mumhanyi; anobhururuka oenda asina kumboona mufaro. Anopfuura sezvikepe zvenhokwe, kufanana namakondo anomhanyira nyama yawo. Kana ndikati, ‘Ndichakanganwa kunyunyuta kwangu, ndichashandura chiso changu, ndigonyemwerera,’ ndinongotya kutambura kwangu, nokuti ndinoziva kuti imi hamuregi kundipa mhosva. Sezvo ndatopiwa hangu mhosva, ko, ndichagotamburirei pasina? Kunyange dai ndikazvishambidza nesipo uye ndikashamba maoko angu nesoda, imi muchandinyudza mugomba rematope zvokuti kunyange nenguo dzangu dzichandisema. “Iye haasi munhu akafanana neni kuti ndimupindure, kuti zvimwe iye neni tisangane mudare redzimhosva. Dai chete paingova nomumwe angamira pakati pedu, kuti aise ruoko rwake patiri tose, mumwe zvake angabvise shamhu yaMwari kwandiri, kuti kutyisa kwake kurege kundivhundutsazve. Ipapo ndichataura ndisingamutyi, asi sezvazvakaita kwandiri iye zvino, handingakwanisi.