Mufananidzo weYouVersion
Mucherechedzo Wekutsvaka

Jobho 38:1-18

Jobho 38:1-18 BDSC

Ipapo Jehovha akapindura Jobho ari mudutu akati: “Ndianiko uyu anodzimaidza zano rangu namashoko asina zivo? Chizvishingisa somurume; ini ndichakubvunza, uye iwe uchandipindura. “Iwe wakanga uripi pandakaisa nheyo dzenyika? Ndiudze, kana uchinzwisisa. Ndianiko akatara miganhu yacho? Zvirokwazvo unozviziva! Ndianiko akaiyera nerwodzi? Ko, nheyo dzayo dzakanga dzimire pai, kana kuti ndianiko akaisa ibwe rapakona, panguva yaiimba nyeredzi dzamangwanani pamwe chete, uye vanakomana vaMwari vose vachipembera nomufaro? “Ndianiko akapfigira gungwa mikova parakatsemuka richibva muchizvaro, pandakaita makore kuti ave nguo yaro, uye ndikariputira murima guru, pandakariisira miganhu yaro, uye ndikaisa makonhi aro namazariro panzvimbo yawo, pandakati, ‘Apa ndipo paunosvika uye haungapfuuri; pano ndipo panoguma kuzvikudza kwamafungu ako’? “Wakambopa mutemo kumangwanani here, kana kuratidza mambakwedza nzvimbo yawo, kuti abate mipendero yenyika, uye azungunuse vakaipa kuti vabve mairi? Nyika inoumbika sevhu pasi pechisimbiso; mamiriro ayo anoita senguo. Vakaipa vanonyimwa chiedza chavo, uye ruoko rwavo rwakasimudzwa rwavhunika. “Wakamboshanyira zvitubu zvegungwa here, kana kufamba kwakanyarara kwokwakadzika? Ko, masuo orufu wakamboaratidzwa here? Wakamboona masuo omumvuri worufu here? Wati wanzwisisa upamhi hwenzvimbo dzenyika here? Ndiudze kana uchiziva zvose izvi.