Mufananidzo weYouVersion
Mucherechedzo Wekutsvaka

Jobho 37:10-24

Jobho 37:10-24 BDSC

Kufema kwaMwari kunobudisa mazaya echando, uye mvura zhinji inooma kuita chando. Anozadza makore nounyoro; anoparadzira mheni yake nomumakore. Anoafambisa sezvaanoda pamusoro penyika yose, kuti aite zvose zvaanoarayira. Anouyisa makore kuzoranga vanhu, kana kuzodiridza nyika yake kuti aratidze rudo rwake. “Teerera izvi, Jobho; imbomira ugorangarira zvishamiso zvaMwari. Unoziva here kudzorwa kwamakore naMwari nokupenyesa kwaanoita mheni yake? Unoziva maturikirwo akaitwa makore here, izvo zvishamiso zvaiye akakwana muruzivo? Iyewe unopiswa nenguo dzako nyika painonyaradzwa nemhepo yezasi, ko, ungagona kubatana naye pakutatamura matenga here, iwo akaoma kunge chionioni chendarira yakaumbwa. “Tiudze zvatingareva kwaari; hatigoni kureva mhaka yedu nokuda kwerima redu. Ko, anofanira kuudzwa kuti ndinoda kutaura here? Ko, pano munhu angakumbira kumedzwa here? Zvino hakuna munhu angatarira kuzuva, nokuvhenekera kwaro riri mumatenga, mushure mokunge mhepo yaachenesa. Anouya nokubwinya kunoyevedza achibva nokumusoro; Mwari anouya nokubwinya kunotyisa. Wamasimba Ose haasvikiki kwaari uye anokudzwa nesimba; mukururamisira uye nokururama kwake kukuru haadzvinyiriri. Naizvozvo, vanhu vanomutya, ko, haana hanya navose vakachenjera pamwoyo here?”