Saka varume vatatu ava vakarega kupindura Jobho, nokuti akanga akarurama pakuona kwake. Asi Erihu mwanakomana waBharakeri muBhuzi, wemhuri yaRami, akatsamwira Jobho zvikuru nokuda kwokuzviruramisira kwake panzvimbo yokuti zviitwe naMwari. Akatsamwirawo kwazvo shamwari nhatu idzi, nokuti vakanga vashayiwa nzira yokupikisa nayo Jobho, kunyange vakanga vambomupa mhosva. Zvino Erihu akanga ambomira kutaura naJobho nokuti ivo vaiva vakuru kwaari. Asi paakaona kuti varume vatatu ava vakanga vasisinazve chokureva, hasha dzake dzakamuka. Saka Erihu mwanakomana waBharakeri muBhuzi akati: “Ndiri muduku pamakore, uye imi muri vakuru; ndokusaka ndanga ndichitya, ndisingadi kukuudzai zvandinoziva. Ndakafunga kuti, ‘Zera rinofanira kutaura; makore mazhinji anofanira kudzidzisa uchenjeri.’ Asi ndiwo mweya uri mumunhu, kufema kwaWamasimba Ose, kunomupa kunzwisisa. Havazi vakuru bedzi vakachenjera, kana vatana chete vanganzwisisa zvakanaka. “Naizvozvo ndinoti: Nditeererei; neniwo ndichakuudzai zvandinoziva.
Verenga chikamu Jobho 32
Terera ku Jobho 32
Pakurirana nevamwe
Enzanisa mhando yose: Jobho 32:1-10
Chengetedza mavhesi, verenga usiri pamasaisai, wona mavhidhiyo ezvidzidzo uye zvakawanda!
Pekutangira
Bhaibheri
Zvirongwa
Mavideo