Jobho akapfuurira mberi nokutaura kwake achiti: “Haiwa ndinoshuva sei mwedzi yakapfuura, iwo mazuva andairindirwa naMwari, mwenje wake pawaivhenekera pamusoro pangu uye ndaivhenekerwa nechiedza chake ndichifamba murima! Haiwa, iwo mazuva andakanga ndichine simba, ushamwari hwaMwari chaihwo huchiropafadza imba yangu, Wamasimba Ose paakanga achineni uye vana vangu pavakanga vakandipoteredza, painyorovedzwa nzira yangu noruomba, uye dombo richindidururira hova dzamafuta omuorivhi.
Verenga chikamu Jobho 29
Terera ku Jobho 29
Pakurirana nevamwe
Enzanisa mhando yose: Jobho 29:1-6
Chengetedza mavhesi, verenga usiri pamasaisai, wona mavhidhiyo ezvidzidzo uye zvakawanda!
Pekutangira
Bhaibheri
Zvirongwa
Mavideo