Mufananidzo weYouVersion
Mucherechedzo Wekutsvaka

Jobho 29:1-6

Jobho 29:1-6 BDSC

Jobho akapfuurira mberi nokutaura kwake achiti: “Haiwa ndinoshuva sei mwedzi yakapfuura, iwo mazuva andairindirwa naMwari, mwenje wake pawaivhenekera pamusoro pangu uye ndaivhenekerwa nechiedza chake ndichifamba murima! Haiwa, iwo mazuva andakanga ndichine simba, ushamwari hwaMwari chaihwo huchiropafadza imba yangu, Wamasimba Ose paakanga achineni uye vana vangu pavakanga vakandipoteredza, painyorovedzwa nzira yangu noruomba, uye dombo richindidururira hova dzamafuta omuorivhi.