Mufananidzo weYouVersion
Mucherechedzo Wekutsvaka

Jobho 21:27-34

Jobho 21:27-34 BDSC

“Ndinoziva chose zvamunofunga, iwo mano amungandikanganisa nawo. Imi munoti, ‘Imba yomunhu mukuru iripiko zvino, iwo matende aigarwa navanhu vakaipa?’ Hauna kumbobvunza vafambi vaya here? Hauna kuva nehanya nenhoroondo dzavo here, dzokuti munhu akaipa anodarikwa pazuva renjodzi, kuti anorwirwa pazuva rokutsamwa? Ndianiko anotsoropodza mafambiro ake pachena? Ndianiko anomuripira pane zvaakaita? Iye anotakurwa achiendeswa kuguva, uye rinda rake rinorindwa. Ivhu romunhika rinotapira kwaari; vanhu vose vanomutevera, uye anotungamirirwa navazhinji vasingaverengeki. “Saka mungandinyaradza sei nezvisina maturo? Hapana chasara pakupindura kwenyu asi nhema dzoga!”