Mufananidzo weYouVersion
Mucherechedzo Wekutsvaka

Jobho 11:13-18

Jobho 11:13-18 BDSC

“Asi kana mwoyo wako ukazvipira kwaari, uye ukatambanudzira maoko ako kwaari, kana ukaisa kure chivi chiri muruoko rwako, uye ukasatendera chakaipa kugara mutende rako, ipapo uchasimudza chiso chako usina nyadzi, uchamira wakasimba uye usingatyi. Zvirokwazvo uchakanganwa nhamo yako, uchangoirangarira semvura yakaerera. Upenyu huchajeka kupfuura masikati makuru, uye rima richaita samangwanani. Iwe uchagara zvakanaka, nokuti tariro iriko; ucharinga-ringa ugozorora murugare.