Jesu akati kuvaJudha vakanga vatenda kwaari, “Kana muchiramba muri mudzidziso yangu, muri vadzidzi vangu zvirokwazvo. Ipapo muchaziva zvokwadi, uye zvokwadi ichakusunungurai.” Ivo vakamupindura vachiti, “Isu tiri zvizvarwa zvaAbhurahama uye hatina kumbova varanda vomumwe munhu. Ungareva sei kuti tichasunungurwa?” Jesu akapindura akati, “Ndinokuudzai chokwadi kuti, mumwe nomumwe anotadza ndiye muranda wechivi. Zvino muranda haagari mumhuri nokusingaperi, asi mwanakomana ndiye anogaramo nokusingaperi. Saka kana Mwanakomana achikusunungurai, muchava vakasununguka kwazvo. Ndinoziva kuti muri zvizvarwa zvaAbhurahama. Asi munotsvaka kundiuraya, nokuti shoko rangu harina nzvimbo mamuri. Ndiri kukuudzai zvandakaona pamberi paBaba vangu, uye imi munoita zvamakanzwa kuna baba venyu.” Ivo vakati, “Abhurahama ndivo baba vedu.” Jesu akati, “Dai maiva vana vaAbhurahama, maidai muchiita zvinhu zvakanga zvichiitwa naAbhurahama. Izvozvi muri kutsvaka kundiuraya, munhu akuudzai chokwadi chandakanzwa kuna Mwari. Abhurahama haana kuita zvinhu zvakadai. Muri kuita zvinhu zvinoitwa nababa venyu.” Vakapindura vakati, “Isu hatisi vana vakaberekwa muupombwe. Baba vatinavo isu ndiye Mwari bedzi.”
Verenga chikamu Johani 8
Terera ku Johani 8
Pakurirana nevamwe
Enzanisa mhando yose: Johani 8:31-41
3 Mazuva
Jesu anoratidza zvinhu zvitatu zvakakosha zvinoita kuti munhu ave mudzidzi wake muvhangeri yaJohani. Izvi zvinosanganisira kukura murusununguko kuburikidza neShoko raMwari, kuda vamwe sezvaanotida, uye kurarama upenyu hunobereka michero nekubatana naMwari. Kwemazuva matatu tichatsvaka kuona zvinhu izvi zvinoonekwa pamudzidzi waJesu.
Chengetedza mavhesi, verenga usiri pamasaisai, wona mavhidhiyo ezvidzidzo uye zvakawanda!
Pekutangira
Bhaibheri
Zvirongwa
Mavideo