Mufananidzo weYouVersion
Mucherechedzo Wekutsvaka

Johani 6:8-11

Johani 6:8-11 BDSC

Mumwe wavadzidzi vake, Andirea, mununʼuna waPetro, akati, “Houno mukomana ane zvingwa zviduku zvebhari nehove mbiri, asi zvingasvikepiko pakati pavanhu vakawanda zvakadai?” Jesu akati, “Itai kuti vanhu vagare pasi.” Panzvimbo iyo pakanga pano uswa huzhinji kwazvo, uye varume vakagara pasi vakanga vachikarosvika zviuru zvishanu. Ipapo Jesu akatora zvingwa zviya, akavonga, uye akazvigovera kuna vaya vakanga vagara pasi mumwe nomumwe paaida napo. Akaita zvimwe chetezvo nehove.