Ipapo vaJudha vakatanga kukakavadzana zvikuru pakati pavo vachiti, “Munhu uyu angatipa nyama yake kuti tiidye seiko?” Jesu akati kwavari, “Ndinokuudzai chokwadi kuti, kana musingadyi nyama yoMwanakomana woMunhu nokunwa ropa rake, hamuna upenyu mamuri. Ani naani anodya nyama yangu nokunwa ropa rangu anogara mandiri, uye ini maari. Nokuti nyama yangu ndicho chokudya chaicho. Ani naani anodya nyama yangu uye anonwa ropa rangu anogara mandiri, neni maari. Sezvo Baba vapenyu vakandituma uye ndichirarama nokuda kwaBaba, saizvozvo uyo anodya pandiri achararama nokuda kwangu. Ichi ndicho chingwa chakaburuka kubva kudenga. Madzitateguru enyu akadya mana uye akafa, asi ani naani anodya chingwa ichi achararama nokusingaperi.” Akataura izvi paakanga achidzidzisa ari musinagoge muKapenaume.
Verenga chikamu Johani 6
Terera ku Johani 6
Pakurirana nevamwe
Enzanisa mhando yose: Johani 6:52-59
3 Mazuva
Kunamato chinhu chinoteedzerwa zvakanyanya kwete muchikristu chete asiwo muzvitendero zvakawanda. Chidzidzo chekunamata chadzidziswa nenzira dzakawanda dzakafana nekuti tinonamata sei uye kuti munamato chimbori chii. Chidzidzo chino chichaongorora nyaya yekunamata kubva pamadzidzisiro akaita Jesu kuvadzidzi vake panechikamu chakunzi munamato waKristu tenzi wedu.
Chengetedza mavhesi, verenga usiri pamasaisai, wona mavhidhiyo ezvidzidzo uye zvakawanda!
Pekutangira
Bhaibheri
Zvirongwa
Mavideo